Revelation of John 5

Gwayana neBhuku Rakapetwa

1Ipapo ndakaona muruoko rworudyi rwaiye akanga agere pachigaro choushe bhuku rakanga rakapetwa, rakanga rakanyorwa kumativi ose uye rakanamwa nezvisimbiso zvinomwe. 2Uye ndakaona mutumwa ane simba achidanidzira nenzwi guru achiti, “Ndiani akafanira kusunungura chisimbiso nokuzarura bhuku rakapetwa?” 3Asi hakuna munhu kudenga kana panyika kana pasi penyika aigona kuzarura bhuku rakapetwa kana kunyange kutarira mukati maro. 4Ndakachema nokuchema kukuru nokuti hakuna munhu akawanikwa akanga akafanira kuzarura bhuku rakapetwa kana kutarira mukati maro. 5Ipapo mumwe wavakuru akati kwandiri, “Usachema! Tarira, Shumba yorudzi rwaJudha, Mudzi waDhavhidhi, akakunda. Iye anogona kuzarura bhuku rakapetwa nezvisimbiso zvaro zvinomwe.”

6Ipapo ndakaona pakati pechigaro choushe nezvisikwa zvipenyu zvina napakati pavakuru, Gwayana rakanga rimire uye rakaita serabayiwa, rine nyanga nomwe nameso manomwe, inova ndiyo mweya minomwe yaMwari yakatumwa munyika yose. 7Rakauya rikatora bhuku rakapetwa muruoko rworudyi rwaiye akanga agere pachigaro choushe. 8Uye rakati raritora, zvisikwa zvipenyu zvina navakuru makumi mana navana vakawira pasi pamberi peGwayana. Mumwe nomumwe akanga ano rudimbwa uye vakanga vakabata ndiro dzegoridhe dzakanga dzizere nezvinonhuhwira, inova ndiyo minyengetero yavatsvene. 9Uye vakaimba rwiyo rutsva runoti:

“Ndimi makafanira kutora bhuku rakapetwa
kuti muzarure zvisimbiso zvaro,
nokuti ndimi makaurayiwa,
uye neropa renyu makatengera Mwari vanhu
kubva kumarudzi ose uye nendimi dzose, navanhu nendudzi.
10Makavaita ushe navaprista kuti vashumire Mwari wedu,
uye vachatonga panyika.”
11Ipapo ndakatarira uye ndikanzwa inzwi ravatumwa vazhinji, zviuru nezviuru negumi rezviuru zvamazana. Vakakomberedza chigaro choushe nezvisikwa zvipenyu uye navakuru. 12Vakaimba nenzwi guru vachiti:

“Gwayana ndiro rakafanira, iro rakanga raurayiwa,
kuti rigamuchire simba nepfuma nouchenjeri nesimba
nokukudzwa nokubwinya uye nokurumbidzwa!”
13Ipapo ndakanzwa zvisikwa zvose kudenga napanyika napasi penyika uye napamusoro pegungwa, nezvose zviri mazviri, zvichiimba zvichiti:

“Kuna iye anogara pachigaro choushe uye nokuGwayana
ngakuve nokurumbidzwa nokukudzwa nokubwinya uye nesimba,
nokusingaperi-peri!”
14Zvisikwa zvipenyu zvina zvakati, “Ameni,” uye vakuru vakawira pasi vakanamata.

Copyright information for SnaBDSC